Exodus 24

Sungano inosimbiswa

1Ipapo akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe, 2asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.”

3Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.” 4Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha.

Akamuka mangwana acho mangwanani akavaka aritari mujinga megomo uye akamisa mbiru dzamabwe gumi nembiri dzichimirira marudzi gumi namaviri avaIsraeri.
5Ipapo akatuma majaya avaIsraeri, uye vakapa zvipiriso zvinopiswa uye vakabayira hando duku sezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha. 6Mozisi akatora hafu yeropa akariisa mumidziyo, uye imwe hafu akaisasa paaritari. 7Ipapo akatora Bhuku reSungano akariverengera vanhu. Ivo vakati, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha; tichazviteerera.”

8Ipapo Mozisi akatora ropa, akarisasa pamusoro pavanhu uye akati, “Iri iropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano namashoko aya ose.”

9Mozisi naAroni, Nadhabhi naAbhihu uye navakuru makumi manomwe vavaIsraeri vakakwira 10uye vakaona Mwari waIsraeri. Pasi petsoka dzake pakanga pane chimwe chinhu chakaita sechivakwa chesafire, chakanga chichionekwa sedenga pacharo. 11Asi Mwari haana kusimudza ruoko rwake pamusoro pavatungamiri vavaIsraeri ava; vakaona Mwari, uye vakadya vakanwa.

12Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo ugare pano, ndigokupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.”

13Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari. 14Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.”

15Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza, 16uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore. 17KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo. 18Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.

Copyright information for SnaBDSC